2 Corinthians 7

1Zvatine zvivimbiso izvi, vadikanwi, ngatizvinatse patsvina yese yenyama neyemweya, tipedzise utsvene mukutya Mwari.

Mufaro waPauro pamusoro pavo kuti vakateerera mashoko etsamba yake

2Gamuchirai isu; hatina kuitira munhu chakaipa, hatina kukanganisira munhu, hatina kubatira munhu. 3Handitauriri kupa mhosva; nokuti ndamboreva, kuti muri mumoyo medu, kuti tife nekurarama pamwe. 4Ushingi hwenhauro yangu kwamuri hukuru, kuzvirumbidza kwangu kukuru pamusoro penyu; ndakazadzwa nenyaradzo, ndakawanzirwa mufaro padambudziko redu rese. 5Nokutiwo tasvika kuMakedhonia, nyama yedu haina kuva nezororo, asi takadzvinyirirwa pazvese; kunze kukakavara, mukati kutya. 6Asi Mwari, anonyaradza vakasuruvadzwa, wakatinyaradza nekusvika kwaTito; 7uye kwete pakusvika kwake chete, asi nepakunyaradzwa kwaakanyaradzwa nako pamusoro penyu, achitiudza zvechishuwo chenyu, kuchema kwenyu, kushingaira kwenyu pamusoro pangu, zvekuti ndakanyanya kufara. 8Nokuti kunyange ndakakusuruvadzai netsamba, handizvidembi, kunyange ndichizvidemba; nokuti ndinoona kuti tsamba iyoyo yakakusuruvadzai, kunyange kuri kwenguva diki. 9Ikozvino ndinofara, kwete kuti makasuruvadzwa, asi kuti makasuruvadzika mukatendeuka; nokuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, kuti murege kurasikirwa nechinhu nekuda kwedu. 10Nokuti kuchema nenzira yeuMwari kunouisa kutendeuka rwuve ruponeso rwausingazvidembi narwo; asi kuchema nenzira yenyika kunouisa rufu. 11Nokuti tarirai, chinhu ichocho, kuti makasuruvadzwa nenzira yeuMwari, chakauisa mukati menyu shungu dzakadini, inga kuzvidavirira, inga kutsamwa, inga kutya, inga chishuvo chakasimba, inga kushingaira, inga kutsiva. Pazvese makazviratidza kuti makachena pachiitiko ichi. 12Naizvozvo kanawo ndakakunyorerai, ndakazviita kwete nekuda kwewakatadza, kana nekuda kwaiye wakatadzirwa, asi kuti kukushingairirai kwedu kuratidzwe kwamuri pamberi paMwari. 13Nemhaka iyi takanyaradzwa panyaradzo yenyu; hongu takafara zvikuru kwazvo pamufaro waTito, nokuti mweya wake wakavandudzwa kubva kwamuri mese. 14Nokuti kana ndakazvikudza nechinhu kwaari pamusoro penyu, handinyadziswi; asi sezvatakataura zvinhu zvese kwamuri muchokwadi, saizvozvowo kuzvikudza kwedu kuri pamberi paTito kwakava chokwadi. 15Nehanya dzake dzawedzerwa kwazvo kwamuri, achirangarira kuteerera kwenyu mese, kuti makamugamuchira sei nekutya uye kudedera. 16Ndinofara naizvozvo kuti pazvese ndine chivimbo mamuri.

Copyright information for Shona